Naizvozvo Jehovha akamusimudzira, ndokumupa zita riri pamusoro pemazita ose: Nokuti nezita raJesu ibvi rimwe nerimwe richamupfugamira, nezvese zviri kudenga, nezviri panyika nezviri pasi penyika; Uye nendimi dzose dzichapupura kuti Jesu Kristu ndiye Mambo, nokubwinya kwaMwari Baba.@VaFiripi 2:9-11
portrait
Lydia O. Baxter
1809–1874

Ly­dia O. Bax­ter, 1870 (Pre­cious Name); .

W. How­ard Doane, 1871 (🔊 pdf nwc).

portrait
W. Howard Doane (1832–1915)

Tora zita rake Jesu
Ngeurombo hwako hwese
Rinokupa simba rake
Rekukunda zvirunziro.

Korusi

Zita rake rakanaka
Mwenje wedu pasi pano
Zita rake rakanaka
Mwenje wedu pasi pano.

Jesu ndimurwiri wedu
Ndiye simba redu rese
Tinokunda zvakaipa
Ngero zita rake Jesu.

Korusi

Kuzwa zita rake Jesu
Tinonyararidzwa kwazvo
Tinopfugamira pasi
Mwoyo inomuwombera.

Korusi

Mwoyo yadziyirwa kwazvo
Kuzwa zita rake Jesu
Uyo wakatitambira
Wakatipa mwoyo mitszva.

Korusi