Zvino vakamugombedzera kwazvo vakati, Garai nesu nokuti ava madekwana; usiku hwasvika.@Ruka 24:29
portrait
Henry F. Lyte (1793–1847)

Henry F. Lyte, 1847 (Abide with Me); .

William H. Monk, 1861 (🔊 pdf nwc).

portrait
William H. Monk (1823–1889)

Garai neni usiku hwasvika.
Tenzi garai neni kune dima.
Vanditiza vamwe vabatsiri,
Mubatsiri wedu garai neni.

Upenyu hwachimbidza kuguma,
Kufara kwepasi kunopera
Zvasakara kwazvo zviro zvese,
Usingasakari garai neni.

Ndinomuda imwi nguva dzese,
Mutsa unokurira muyedzi
Mudonzvo wangu mutungamiri,
Mudima, pachena garai neni.

Imwi muripo handityi mhandu,
Handine kuremerwa mushungu
Kufa, guva, kukunda kuripi?
Ndinokurira mugere neni.

Misa muchinjiko ndotandadza,
Penya undinongedze kudenga
Kwayedza kwazvo yabva mimvuri,
Muupenyu mukufa garai neni.